Ecclesiastes 3

Chimwe nechimwe chine nguva yacho

1Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho,
uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:

2nguva yokuberekwa nenguva yokufa,
nguva yokusima nenguva yokudzura;
3nguva yokuuraya nenguva yokuporesa,
nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;
4nguva yokuchema nenguva yokuseka,
nguva yokuungudza nenguva yokudzana;
5nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete,
nguva yokumbundikira nenguva yokurega;
6nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike,
nguva yokuchengeta nenguva yokurasa;
7nguva yokubvarura nenguva yokusona,
nguva yokunyarara nenguva yokutaura;
8nguva yokuda nenguva yokuvenga,
nguva yehondo nenguva yorugare.
9Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose? 10Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari. 11Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira. 12Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu. 13Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari. 14Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze.

15Chipi nechipi chiripo zvino, chakagara chiripo kare,
uye zvichazovapo zvakatovapo kare;
uye Mwari anotsvakazve zvakapfuura.
16Uyezve ndakaona chimwe chinhu pasi pezuva:

Panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo,
panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.
17Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati,

“Mwari achatonga vose
vakarurama nevakaipa,
nokuti pachava nenguva yebasa rimwe nerimwe.”
18Ndakatizve, “Kana vari vanhu, Mwari anovaedza kuti vaone kuti vakangofanana nemhuka. 19Zvinoitika kumunhu zvakafanana nezvinoitika kumhuka; zvose zvinoitirwa zvimwe chetezvo: sokufa kunoita chimwe, chimwe chinofawo. Zvose zvinofema mweya mumwe; munhu hapana paanopfuura mhuka. Zvose hazvina maturo. 20Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete; zvose zvinobva kuvhu, uye kuvhu zvose zvinodzokera. 21Ndiani angaziva kana mweya womunhu uchikwira kuenda kumusoro uye kana mweya wemhuka uchidzika pasi?”

22Saka ndakaona kuti hapana chingapfuure ichi, kuti munhu afadzwe nebasa rake, nokuti uyu ndiwo mugove wake. Nokuti ndiani achazomudzosazve kuti aone zvichazoitika shure kwake?

Copyright information for SnaBDSC